Dheuteronomi 6:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 unofanira kuaroverera mumwanakomana wako+ uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi+ nepaunomuka. Zvirevo 4:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Haiwa imi vanakomana vangu, inzwai kuranga kwababa+ uye teererai, kuti muwane kunzwisisa.+ Zvirevo 6:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 Haiwa mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa+ vako, usasiya mutemo waamai+ vako. VaEfeso 6:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu,+ asi rambai muchivarera+ mukuranga+ nokutungamirira pfungwa+ kunoitwa naJehovha. VaHebheru 12:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Uyezve, taimbova navanababa venyama vakaita sesu vaitiranga,+ uye taivaremekedza. Zvino isu hatifaniri here kuzviisa pasi paBaba voupenyu hwedu hwomudzimu zvakatonyanya kuti tirarame?+
7 unofanira kuaroverera mumwanakomana wako+ uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi+ nepaunomuka.
4 Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu,+ asi rambai muchivarera+ mukuranga+ nokutungamirira pfungwa+ kunoitwa naJehovha.
9 Uyezve, taimbova navanababa venyama vakaita sesu vaitiranga,+ uye taivaremekedza. Zvino isu hatifaniri here kuzviisa pasi paBaba voupenyu hwedu hwomudzimu zvakatonyanya kuti tirarame?+