Isaya 41:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Taurai zvinhu zvichazouya, kuti tizive kuti muri vanamwari.+ Chokwadi itai zvakanaka kana kuti kuita zvakaipa, kuti titarire-tarire tizvione panguva imwe chete.+ Isaya 43:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Tarirai! Ndiri kuita chinhu chitsva.+ Zvino chichaitika. Hamuzochizivi here?+ Chokwadi, ndichagadzira nzira inopfuura nomurenje,+ inopfuura nomunzizi dzomugwenga.+ Amosi 3:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Nokuti Changamire Ishe Jehovha haazoiti chinhu asina kumbozivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.+ 2 Petro 1:21 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 21 Nokuti uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu,+ asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari+ sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.+
23 Taurai zvinhu zvichazouya, kuti tizive kuti muri vanamwari.+ Chokwadi itai zvakanaka kana kuti kuita zvakaipa, kuti titarire-tarire tizvione panguva imwe chete.+
19 Tarirai! Ndiri kuita chinhu chitsva.+ Zvino chichaitika. Hamuzochizivi here?+ Chokwadi, ndichagadzira nzira inopfuura nomurenje,+ inopfuura nomunzizi dzomugwenga.+
7 Nokuti Changamire Ishe Jehovha haazoiti chinhu asina kumbozivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.+
21 Nokuti uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu,+ asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari+ sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.+