1 Madzimambo 9:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Uye ivo vachati, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akanga abudisa madzitateguru avo munyika yeIjipiti,+ vakanamatira vamwe vanamwari,+ vakavakotamira nokuvashumira. Ndokusaka Jehovha akavaunzira dambudziko rose iri.’”+ Nehemiya 13:18 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 18 Madzitateguru enyu haana kuita saizvozvi,+ zvokuti Mwari wedu akaunza nhamo yose iyi patiri,+ nepaguta rinowo here? Asi imi muri kuwedzera kutsamwirwa kwazvo kwaIsraeri nokusvibisa sabata.”+ Dhanieri 9:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Vanhu vose vaIsraeri vakadarika mutemo wenyu, vakatsauka nokusateerera inzwi renyu,+ zvokuti makadururira patiri kutukwa nemhiko yakapikwa+ yakanyorwa mumutemo waMosesi mushumiri waMwari wechokwadi, nokuti takamutadzira.
9 Uye ivo vachati, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akanga abudisa madzitateguru avo munyika yeIjipiti,+ vakanamatira vamwe vanamwari,+ vakavakotamira nokuvashumira. Ndokusaka Jehovha akavaunzira dambudziko rose iri.’”+
18 Madzitateguru enyu haana kuita saizvozvi,+ zvokuti Mwari wedu akaunza nhamo yose iyi patiri,+ nepaguta rinowo here? Asi imi muri kuwedzera kutsamwirwa kwazvo kwaIsraeri nokusvibisa sabata.”+
11 Vanhu vose vaIsraeri vakadarika mutemo wenyu, vakatsauka nokusateerera inzwi renyu,+ zvokuti makadururira patiri kutukwa nemhiko yakapikwa+ yakanyorwa mumutemo waMosesi mushumiri waMwari wechokwadi, nokuti takamutadzira.