1 Madzimambo
9 Zvino Soromoni paakangopedza kuvaka imba+ yaJehovha neimba yamambo+ nezvinhu zvose zvakanaka zvaSoromoni zvaaida kuita,+ 2 Jehovha akabva azviratidza kuna Soromoni kechipiri, sokuzviratidza kwaakanga aita kwaari ari muGibhiyoni.+ 3 Jehovha akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero+ wako nechikumbiro chako chokuti unzwirwe nyasha, chikumbiro chawaita pamberi pangu kuti unzwirwe nyasha. Ndatsaura+ imba iyi yawakavaka nokuisa zita rangu+ pairi nokusingagumi; uye maziso angu+ nomwoyo wangu zvichava ipapo nguva dzose.+ 4 Zvino iwe, kana uchizofamba+ pamberi pangu, sokufamba kwakaita baba vako Dhavhidhi,+ nomwoyo wakakwana,+ nokururama,+ nokuita maererano nezvose zvandakakurayira,+ uye uchizochengeta mirau+ yangu nezvandakatonga,+ 5 iniwo ndichasimbisa chigaro choumambo hwako pana Israeri nokusingagumi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, ‘Hapazoshayikwi murume wokwako anogara pachigaro choumambo chaIsraeri.’+ 6 Kana imi nevanakomana venyu mukarega kunditevera,+ mukasachengeta mirayiro yangu nemirau yangu zvandakaisa pamberi penyu, moenda, moshumira vamwe vanamwari,+ movakotamira, 7 ndichaparadzawo vaIsraeri panyika yandakavapa;+ ndicharasa imba yandakatsvenesera zita rangu kuti ibve pamberi pangu,+ uye vaIsraeri vachava chirevo+ uye chinhu chinoshorwa pakati pemarudzi ose. 8 Imba iyi ichava murwi wezvakaparadzwa.+ Munhu wose anopfuura pedyo nayo acharamba akatarira achishamisika+ uye acharidza muridzo oti, ‘Jehovha akaitirei nyika iyi neimba iyi zvakadai?’+ 9 Uye ivo vachati, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akanga abudisa madzitateguru avo munyika yeIjipiti,+ vakanamatira vamwe vanamwari,+ vakavakotamira nokuvashumira. Ndokusaka Jehovha akavaunzira dambudziko rose iri.’”+
10 Zvino pakapera makore makumi maviri, ayo Soromoni akanga avaka dzimba mbiri, imba yaJehovha+ neimba yamambo,+ 11 (Hiramu+ mambo weTire akanga abatsira Soromoni+ nematanda emisidhari nematanda emijunipa nendarama yakawanda zvaaida,)+ panguva iyoyo Mambo Soromoni akapa Hiramu maguta makumi maviri aiva munyika yeGarireya.+ 12 Naizvozvo Hiramu akabuda muTire kuti anoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi akanga asina kumunakira.+ 13 Naizvozvo akati: “Hama yangu, maguta orudzii aya awandipa?” Iwo akatumidzwa kuti Nyika yeKabhuri kusvikira nhasi.
14 Munguva iyi Hiramu akatumira mambo matarenda endarama zana nemakumi maviri.+
15 Zvino iyi ndiyo nhoroondo yevaya vakanga vatorwa nokuda kwebasa rokumanikidzirwa+ vakatorwa naMambo Soromoni kuti vavake imba yaJehovha+ neimba yake noMurwi Wevhu+ norusvingo+ rweJerusarema neHazori+ neMegidho+ neGezeri.+ 16 (Farao mambo weIjipiti akanga auya, akabva atora Gezeri, akaripisa nomoto, uye akanga auraya vaKenani+ vaigara muguta racho. Naizvozvo akaripa mwanasikana wake,+ mudzimai waSoromoni, sechipo chokuonekana.) 17 Soromoni akavaka Gezeri neBheti-horoni Rezasi,+ 18 neBhaarati+ neTamari raiva murenje, munyika yacho, 19 nemaguta ose okuchengetera zvinhu+ akava aSoromoni nemaguta engoro+ nemaguta evatasvi vemabhiza, nezvinhu zvakanaka zvaSoromoni+ zvaakanga ada kuvaka muJerusarema nomuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. 20 Asi vanhu vose vakasara pavaAmori,+ vaHiti,+ vaPerizi,+ vaHivhi+ nevaJebhusi,+ vakanga vasiri vanakomana vaIsraeri,+ 21 vanakomana vavo vakanga vasara munyika yacho, avo vanakomana vaIsraeri vakanga vasina kukwanisa kuparadza chose,+ Soromoni akaramba achivatora kuti vaite basa rokumanikidzirwa rouranda kusvikira nhasi.+ 22 Pavanakomana vaIsraeri hapana vakaitwa varanda+ naSoromoni; nokuti ivo vaiva varwi nevashandi vake nemachinda ake nevabatsiri vake nevakuru vevatyairi vake vengoro nevevatasvi vake vemabhiza.+ 23 Ava ndivo vaiva vakuru vevatariri vaitarisira basa raSoromoni, mazana mashanu nemakumi mashanu, vakuru vevanhu vaiita basa.+
24 Zvino mwanasikana waFarao+ akabuda muGuta raDhavhidhi,+ akaenda kuimba yake yaakanga avakirwa naSoromoni. Panguva iyoyo Soromoni ndipo paakagadzira Murwi Wevhu.+
25 Soromoni akaramba achipisira zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvokugoverana katatu+ pagore, paatari yaakanga avakira Jehovha,+ uye utsi hwezvibayiro hwaikwidzirwa paatari+ yacho, yaiva pamberi paJehovha; uye akapedza imba yacho.+
26 Kwaivawo neboka rengarava dzakagadzirwa naMambo Soromoni muEziyoni-gebheri,+ iri pedyo neEroti,+ pamhenderekedzo yeGungwa Dzvuku munyika yeEdhomu.+ 27 Hiramu akaramba achituma vashandi vake,+ vafambisi vengarava, vaiziva nezvomugungwa, vari muboka rengarava dzacho, pamwe chete nevashandi vaSoromoni. 28 Vakaenda kuOfiri,+ vakanotora ndarama+ yaisvika matarenda mazana mana nemakumi maviri ikoko, vakauya nayo kuna Mambo Soromoni.