Dhanieri
9 Mugore rokutanga raDhariyasi+ mwanakomana waAhashivheroshi wokuvana vevaMedhiya,+ akanga agadzwa kuti ave mambo woumambo hwevaKadheya;+ 2 mugore rokutanga rokutonga kwake, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva mumabhuku kuwanda kwemakore akanga ataurwa neshoko raJehovha kumuprofita Jeremiya,+ okuzadzika kwokuparadzwa kweJerusarema,+ kuti aizova makore makumi manomwe.+ 3 Ndakatarira+ kuna Jehovha Mwari wechokwadi, kuti ndimutsvake nokunyengetera+ nokuteterera nokutsanya, ndakapfeka masaga uye ndiine madota.+ 4 Ndakatanga kunyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura, ndikati:+
“Aa Jehovha Mwari wechokwadi, Iye mukuru+ neanotyisa, anochengeta sungano+ nokuva nomutsa+ worudo kune vaya vanomuda nevaya vanochengeta mirayiro yake,+ 5 takatadza+ tikaita zvisina kururama, tikaita zvakaipa, tikapanduka;+ uye takatsauka pamirayiro yenyu nezvamakatonga.+ 6 Hatina kuteerera vashumiri venyu, ivo vaprofita,+ vakataura nezita renyu kumadzimambo edu, machinda edu nemadzibaba edu nokuvanhu vose vomunyika yacho.+ 7 Haiwa Jehovha, imi makarurama, asi isu tinonyara sezvazvakaita nhasi,+ isu nevanhu vaJudha nevagari vomuJerusarema navose vaIsraeri, vaya vari pedyo nevaya vari kure mune dzimwe nyika dzose kwamakavaparadzira nokuda kwokusatendeka kwavo kwavakakuitirai.+
8 “Haiwa Jehovha, tinonyara, isu nemadzimambo edu, nemachinda edu nemadzibaba edu, nokuti takakutadzirai.+ 9 Jehovha Mwari wedu ane ngoni+ uye anokanganwira,+ nokuti takamupandukira.+ 10 Hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu nokufamba mumitemo yake yaakaisa pamberi pedu achishandisa vashumiri vake, ivo vaprofita.+ 11 Vanhu vose vaIsraeri vakadarika mutemo wenyu, vakatsauka nokusateerera inzwi renyu,+ zvokuti makadururira patiri kutukwa nemhiko yakapikwa+ yakanyorwa mumutemo waMosesi mushumiri waMwari wechokwadi, nokuti takamutadzira. 12 Iye akaita mashoko ake aakanga ataura kwatiri+ nokuvatongi vedu vaititonga,+ nokuunza dambudziko guru patiri, risina kumboitika pasi pematenga ose serakaitika muJerusarema.+ 13 Dambudziko iri rose rakauya patiri+ sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi,+ uye hatina kutsvaka kunzwirwa nyasha naJehovha Mwari wedu nokutendeuka pakukanganisa kwedu+ uye nokuratidza njere muchokwadi chenyu.+
14 “Jehovha akaramba akasvinurira kuunza dambudziko racho, akazoriunza patiri,+ nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aakaita; asi isu hatina kuteerera inzwi rake.+
15 “Zvino, haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makabudisa vanhu venyu munyika yeIjipiti noruoko rune simba,+ mukazviitira zita sezvazvakaita nhasi,+ takatadza,+ takaita zvakaipa. 16 Haiwa Jehovha, tapota, kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu ngazvibve paguta renyu Jerusarema, iro gomo renyu dzvene,+ maererano nemabasa enyu ose akarurama;+ nokuti Jerusarema nevanhu venyu vanoshorwa navose vakatipoteredza+ nokuda kwezvivi zvedu uye nokuda kwokukanganisa kwemadzitateguru edu.+ 17 Haiwa Mwari wedu, zvino teererai munyengetero womushumiri wenyu nokuteterera kwake, nokuda kwaJehovha, munzwire nyasha+ nzvimbo yenyu tsvene yakaparadzwa.+ 18 Haiwa Mwari wangu, rerekai nzeve yenyu munzwe.+ Svinurai maziso enyu muone kuparadzwa kwedu neguta raishevedzwa nezita renyu;+ nokuti hatisi kukutetererai nokuda kwemabasa edu akarurama,+ asi nokuda kwengoni dzenyu zhinji.+ 19 Haiwa Jehovha, inzwai.+ Haiwa Jehovha, kanganwirai.+ Haiwa Jehovha, teererai muite chimwe chinhu.+ Haiwa Mwari wangu, musanonoka+ nokuda kwenyu, nokuti guta renyu nevanhu venyu vakashevedzwa nezita renyu.”+
20 Ndichiri kutaura nokunyengetera nokureurura chivi changu nechivi+ chevanhu vokwangu vaIsraeri+ uye ndichikumbira kunzwirwa nyasha pamberi paJehovha Mwari wangu pamusoro pegomo dzvene+ raMwari wangu, 21 ndichiri kutaura ndichinyengetera, murume anonzi Gabrieri,+ wandakanga ndamboona pane zvandakaratidzwa pakutanga,+ ndapera simba nokuneta, akasvika pandaiva panguva yokupisirwa kwechipo chinopiwa chemanheru.+ 22 Akaita kuti ndinzwisise, akataura neni, akati:
“Haiwa Dhanieri, zvino ndauya kuzoita kuti uve nenjere nokunzwisisa.+ 23 Shoko rakataurwa pawakatanga kuteterera, uye ini ndauya kuzokuudza, nokuti uri munhu anodiwa kwazvo.+ Naizvozvo funga+ nezvenyaya yacho, unzwisise chinhu chaunoona.
24 “Kune vhiki dzine makumi manomwe dzakasarudzirwa vanhu vako+ neguta rako dzvene,+ kuti kudarika kugumiswe,+ kuti chivi chipedzwe zvachose,+ kuti kukanganisa kuyananisirwe,+ kuti kururama kuunzwe nokusingagumi,+ kuti zvakaratidzwa nomuprofita zviiswe chisimbiso,+ uye kuti Nzvimbo Tsvenetsvene izodzwe.+ 25 Zvino ziva, unzwisise kuti kubvira pachataurwa shoko+ rokudzorera nokuvakazve Jerusarema+ kusvikira kuna Mesiya+ Mutungamiriri,+ pachava nevhiki nomwe, uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri.+ Richadzorerwa rovakwazve, riine nzvimbo dzinoungana vanhu nomugero wemvura, asi muri munguva dzokutambudzika.
26 “Zvino kana vhiki dzine makumi matanhatu nembiri dzapera Mesiya achaurayiwa,+ asina nechaainacho.+
“Vanhu vomutungamiriri achauya vachaparadza+ guta nenzvimbo tsvene.+ Zvichagumiswa nemafashamo. Pachange paine hondo kusvikira pakuguma; kuparadzwa ndiko kwakasarudzwa.+
27 “Iye achaita kuti sungano+ irambe iine simba nokuda kwevazhinji kwevhiki imwe chete;+ uye pakati pevhiki yacho achagumisa chibayiro nechipo chinopiwa.+
“Pabapiro rezvinhu zvinonyangadza pachange paine anoita kuti pave nokuparadza;+ uye chinhu chakasarudzwa chicharamba chichidururirwa pana iye akaitwa dongo kusvikira pakuparadzwa chose.”+