15 Nokuti imi makati: “Takaita sungano noRufu;+ uye takaona zvakaratidzwa+ tiri pamwe chete neSheori; mafashamo anongoerekana afashukira, kana akapfuura nepano, haangasviki kwatiri, nokuti takaita kuti nhema dzive kwokupotera+ kwedu uye takavanda munhema”;+