Isaya
5 Ndapota, regai ndiimbire mudiwa wangu rwiyo rwomudiwa wangu nezvomunda wake wemizambiringa.+ Mudiwa wangu aiva nomunda wemizambiringa mujinga mechikomo chakaorera. 2 Akautimba, akaubvisa matombo, akadyara muzambiringa mutsvuku wakanaka kwazvo, akavaka shongwe pakati pawo.+ Akacherawo chisviniro chewaini mauri.+ Akaramba achitarisira kuti ubereke mazambiringa,+ asi wakazobereka mazambiringa omusango.+
3 “Zvino, haiwa imi vagari vomuJerusarema nevarume vaJudha, ndapota tongai pakati pangu nomunda wangu wemizambiringa.+ 4 Chiizve chasara kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisati ndatoita mauri?+ Nei ndakautarisira kubereka mazambiringa, asi iwo ukazobereka mazambiringa omusango? 5 Ndapota, zvino regai ndikuzivisei zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ruzhowa+ rwawo ruchabviswa, uye iwo uchapiswa.+ Rusvingo rwawo rwematombo ruchaputswa, uye iwo uchava nzvimbo inotsikwa-tsikwa.+ 6 Zvino ndichauita sechinhu chakaparadzwa.+ Hauzochekererwi, kana kusakurirwa.+ Uchamera makwenzi eminzwa nemasora;+ uye ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.+ 7 Nokuti imba yaIsraeri ndiwo munda wemizambiringa+ waJehovha wemauto, uye varume vaJudha ndiyo miti yaaida.+ Akaramba achitarisira kururamisira,+ asi kwaiva nokuputswa kwomutemo; achitarisira kururama, asi kwaiva nokuchema.”+
8 Vane nhamo vaya vanobatanidza imba nemba,+ uye vaya vanobatanidza munda nomunda kutozosvikira pasisina nzvimbo+ uye imi magariswa moga pakati penyika! 9 Jehovha wemauto apika munzeve dzangu kuti dzimba zhinji, kunyange dziri huru uye dzakanaka, dzichava chinhu chinokatyamadza chose, dzisina anogaramo.+ 10 Nokuti maeka+ gumi omunda wemizambiringa achabudisa bhati rimwe chete,+ uye chiyero chehomeri chembeu chichabudisa chiyero cheefa bedzi.+
11 Vane nhamo vaya vanofumomuka kuti vatsvake doro rinodhaka+ chete, vanoswerera kusvikira manheru kwasviba zvokuti waini yacho inovapengesa!+ 12 Pamitambo yavo pachava norudimbwa nechiridzwa chine tambo, gandira nenyere, uye waini;+ asi havatariri basa raJehovha, uye havana kuona basa remaoko ake.+
13 Naizvozvo vanhu vangu vachatapwa nokuda kwokushayiwa zivo;+ vanokudzwa vavo vachava varume vanoziya nenzara,+ uye boka ravo richafa nenyota.+ 14 Naizvozvo Sheori yakakudza mweya wayo uye yakashama muromo wayo kwazvo kupfuura miganhu;+ zvakanaka zviri mairi, uyewo boka rayo revanhu nemheremhere yayo nouya anopembera nomufaro, zvichaburukira mairi.+ 15 Munhu wepanyika achaderedzwa, murume achaninipiswa, uye kunyange maziso evanhu vakakwirira achaninipiswa.+ 16 Jehovha wemauto achakwidziridzwa nokutonga,+ uye Mwari wechokwadi, iye Mutsvene,+ achazvitsvenesa nokururama.+ 17 Makwayana makono achafura somumafuro awo; uye vatorwa vachadya munzvimbo dzakaitwa matongo emhuka dzakakodzwa.+
18 Vane nhamo vaya vanokweva kukanganisa netambo dzenhema, uye vanokweva chivi sokunge netambo dzengoro;+ 19 vaya vanoti: “Basa rake ngarichimbidzike; ngarichimbidze kuuya, kuti tirione; uye zano roMutsvene waIsraeri ngariswedere pedyo risvike, kuti tirizive!”+
20 Vane nhamo vaya vanoti zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka,+ vanoisa rima panzvimbo pechiedza uye chiedza panzvimbo perima, vanoisa zvinovava panzvimbo pezvinotapira uye zvinotapira panzvimbo pezvinovava!+
21 Vane nhamo vaya vanozviti vakachenjera uye vanozviti vakangwara!+
22 Vane nhamo vaya vane simba pakunwa waini, nevarume vane simba rokuvhenganisa doro rinodhaka,+ 23 vaya vanoti munhu akaipa akarurama nokuda kwepfumbamuromo,+ uye vanobvisira munhu akarurama kururama kwake!+
24 Naizvozvo sokuparadza kunoita rurimi rwomoto mashanga+ uye uswa hwakaoma huchiroromera mumirazvo, dzinde ravo richava somweya unonhuhwa,+ uye ruva ravo richapfumbuka soupfu, nokuti vakaramba mutemo waJehovha wemauto,+ uye havana kuremekedza+ shoko roMutsvene waIsraeri. 25 Ndokusaka kutsamwa kukuru kwaJehovha kwamukira vanhu vake, uye iye achavatambanudzira ruoko rwake avarove.+ Makomo achazununguswa,+ uye zvitunha zvavo zvichava semarara pakati pemigwagwa.+
Nokuda kweizvi zvose kutsamwa kwake hakuna kupera, asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa. 26 Akasimudzira rudzi rukuru ruri kure chiratidzo,+ akaruridzira muridzo ruri kumugumo wenyika;+ uye, tarira! ruchachimbidza kuuya ruchikurumidza.+ 27 Hapana akaneta uye hapana ari kugumburwa pakati pavo. Hapana anotsimwaira uye hapana anorara. Bhandi riri muzviuno zvavo harizosunungurwi, uyewo tambo dzehwashu dzavo hadzizodamburwi nepakati; 28 nokuti miseve yavo yakarodzwa uye uta hwavo hwose hwakakungwa.+ Mahwanda emabhiza avo achaonekwa sematombo akaoma kwazvo,+ uye mavhiri avo sedutu.+ 29 Kudzvova kwavo kwakaita sokuya kweshumba, uye vanodzvova sevana veshumba+ vava nezenze. Vachaomba ndokubata mhuka vachienda nayo yakachengeteka, uye hapazovi nomununuri.+ 30 Vachaidzvovera pazuva iroro sokutinhira kwegungwa.+ Mumwe acharamba akatarira nyika, uye achaona rima rinotambudza;+ uye chiedza chasviba nemhosva yemadonhwe anowira pairi.