1 Samueri 8:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Vanakomana vake havana kufamba munzira dzake,+ asi vakanga vachida kutevera mubereko usina kururama+ uye vaigamuchira pfumbamuromo+ votsaudzira pakutonga.+ Isaya 1:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Machinda ako akasindimara uye ishamwari dzembavha.+ Mumwe nomumwe wavo anoda pfumbamuromo+ uye anodzingirira zvipo.+ Havatongi mhosva nokuda kwenherera; uye havagamuchiri mhosva inouya nechirikadzi.+ Isaya 5:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 vaya vanoti munhu akaipa akarurama nokuda kwepfumbamuromo,+ uye vanobvisira munhu akarurama kururama kwake!+ Ezekieri 22:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Vakatora pfumbamuromo vari mukati mako kuti vateure ropa.+ Wakatora mubereko+ pamwe chete nechimbadzo,+ unoramba uchiwana pfuma+ yevamwe vako nokubiridzira,+ uye wakandikanganwa,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.
3 Vanakomana vake havana kufamba munzira dzake,+ asi vakanga vachida kutevera mubereko usina kururama+ uye vaigamuchira pfumbamuromo+ votsaudzira pakutonga.+
23 Machinda ako akasindimara uye ishamwari dzembavha.+ Mumwe nomumwe wavo anoda pfumbamuromo+ uye anodzingirira zvipo.+ Havatongi mhosva nokuda kwenherera; uye havagamuchiri mhosva inouya nechirikadzi.+
23 vaya vanoti munhu akaipa akarurama nokuda kwepfumbamuromo,+ uye vanobvisira munhu akarurama kururama kwake!+
12 Vakatora pfumbamuromo vari mukati mako kuti vateure ropa.+ Wakatora mubereko+ pamwe chete nechimbadzo,+ unoramba uchiwana pfuma+ yevamwe vako nokubiridzira,+ uye wakandikanganwa,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.