2 Samueri 22:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 Muchaponesa vanhu vanozvininipisa;+Asi maziso enyu anoona vanozvikudza, kuti muvaderedze.+ Dhanieri 4:37 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 37 “Zvino ini, Nebhukadhinezari, ndinorumbidza nokukwidziridza nokukudza Mambo wokumatenga,+ nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi nenzira dzake ndedzokururamisira,+ uye nokuti anoninipisa vaya vanozvikudza.”+ 1 Petro 5:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Saizvozvowo, imi varume vaduku, zviisei pasi+ pevarume vakuru. Asi imi mose zvenyu zvisungei nepfungwa dzinozvininipisa kune mumwe nomumwe,+ nokuti Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.+
37 “Zvino ini, Nebhukadhinezari, ndinorumbidza nokukwidziridza nokukudza Mambo wokumatenga,+ nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi nenzira dzake ndedzokururamisira,+ uye nokuti anoninipisa vaya vanozvikudza.”+
5 Saizvozvowo, imi varume vaduku, zviisei pasi+ pevarume vakuru. Asi imi mose zvenyu zvisungei nepfungwa dzinozvininipisa kune mumwe nomumwe,+ nokuti Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.+