2 Samueri
22 Zvino Dhavhidhi akataura naJehovha mashoko orwiyo+ urwu pazuva raakanga anunurwa naJehovha muchanza chevavengi vake vose+ nomuchanza chaSauro;+ 2 akati:
“Jehovha ndiye ibwe rangu+ nenhare yangu+ noMupukunyutsi wangu.+
3 Mwari wangu ndiye dombo rangu.+ Ndichapotera kwaari,
Ndiye nhoo+ yangu nenyanga+ yangu yoruponeso, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka,+
Ndiye nzvimbo yangu yokutizira,+ Muponesi wangu;+ munondiponesa pakuitirwa zvechisimba.+
5 Nokuti mafungu anouraya akandikomba;+
Paiva nemafashamo anongoerekana avapo evanhu pasina, akaramba achindityisa.+
7 Ndakaramba ndichidana kuna Jehovha ndichitambudzika,+
Ndakaramba ndichishevedzera kuna Mwari wangu.+
Akabva anzwa inzwi rangu ari mutemberi yake,+
Kuchemera kwangu kubatsirwa kuri munzeve dzake.+
8 Nyika yakatanga kuzunungukira mberi neshure uye kudedera;+
Nheyo dzematenga dzakazununguswa,+
Dzakaramba dzichizunungukira mberi neshure nokuti akanga atsamwiswa.+
9 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, moto waibva mumuromo make wakaramba uchiparadza;+
Marasha akapfuta achibva kwaari.+
13 Marasha anobvira omoto akapfuta nokuda kwokupenya kwaiva pamberi pake.+
18 Aindinunura pamuvengi wangu ane simba,+
Pane vaya vaindivenga; nokuti vakanga vaine simba kundipfuura.+
21 Jehovha anondipa mubayiro unoenderana nokururama kwangu;+
Anondiripa zvinoenderana nokuchena kwemaoko angu.+
25 Jehovha ngaandiripe zvinoenderana nokururama kwangu,+
Zvinoenderana nokuchena kwangu pamberi pake.+
26 Muchava akavimbika kune akavimbika;+
Hamuzowaniriwo mhosva munhu asina mhosva, ane simba;+
27 Muchava akachena kumunhu anoramba akachena,+
Muchaita sezvinoita benzi kumunhu asina kururama.+
31 Kana ari Mwari wechokwadi, nzira yake yakakwana;+
Shoko raJehovha rakanatswa.+
Iye inhoo kuna vose vanopotera kwaari.+
32 Nokuti ndiani mumwe Mwari aripo kunze kwaJehovha,+
Nderipi rimwe dombo riripo kunze kwaMwari wedu?+
33 Mwari wechokwadi ndiye nhare yangu yakasimba,+
Achaita kuti nzira yangu ive yakakwana,+
34 Achiita kuti tsoka dzangu dzive sedzenondo hadzi;+
Anoita kuti ndirambe ndakamira panzvimbo dzakanyanya kukwirira kwandiri.+
37 Muchagadzira nzvimbo yakakura zvakakwana pasi pangu nokuda kwetsoka dzangu;+
Zviziso zvemakumbo angu hazvizogwedi-gwedi.+
41 Muchaita kuti vavengi vangu vandifuratire votiza;+
Vaya vanondivenga kwazvo—ndichaitawo kuti vanyarare.+
43 Ndichavakuya-kuya kusvikira vatsetseka seguruva renyika;
Ndichavakuya sematope omumigwagwa;+
Ndichavarova voti pwatata.
44 Muchandipukunyutsa pakutsvakirwa mhosva nevanhu vangu.+
Muchandichengetedza kuti ndive mukuru wemarudzi;+
Vanhu vandisina kuziva—vachandishandira.+
47 Jehovha mupenyu;+ Dombo rangu ngarirumbidzwe;+
Mwari wedombo rokuponeswa kwangu ngaakwidziridzwe.+
48 Mwari wechokwadi ndiye anondiitira mabasa okutsiva+
Ndiye anoisa marudzi pasi pangu,+
49 Ndiye anondibudisa pakati pevavengi vangu.+
Muchandisimudzira pamusoro pevaya vanondimukira;+
Muchandinunura pamunhu anoita mabasa echisimba.+