-
2 Petro 2:7-9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 Uye akanunura Roti uyo aiva akarurama+ uye aishungurudzika chaizvo netsika dzakafumuka dzevanhu* vakanga vasingateereri mutemo, 8 nekuti paaigara pakati pavo, mweya* wemurume akarurama iyeye wairwadziwa zuva nezuva nezvinhu zvaaiona uye zvaainzwa, zvaiitwa nevanhu vasingateereri mutemo. 9 Saka Jehovha* anoziva nzira yekununura nayo mumuedzo vanhu vakazvipira kwaari,+ asi achava nechokwadi chekuti vanhu vasina kururama vaparadzwa pazuva rekutongwa,+
-