10 Jetro akabva ati: “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununurai kubva kuIjipiti uye kubva kuna Farao, uye akanunura vanhu kubva muutongi hweIjipiti. 11 Iye zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru pane vamwe vanamwari vese,+ nezvaakaitira vaya vaizvikudza vachirwisa vanhu vake.”