RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 14:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Kana ndiri ini, ndiri kurega mwoyo yevaIjipiti ichioma, zvekuti vachavatevera; saka ndichaita kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ese, kungoro dzake dzehondo, nekuvarwi vake vakatasva mabhiza.+

  • Joshua 2:9, 10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 Akati kuvarume vacho: “Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika,+ uye tiri kukutyai.+ Vagari vese vemunyika vapera simba nemhaka yenyu,+ 10 nekuti takanzwa nezvekuomesa kwakaita Jehovha mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu pamakabva kuIjipiti+ uye zvamakaita kumadzimambo maviri evaAmori, Sihoni+ naOgi,+ avo vamakaparadza mhiri* kwaJodhani.

  • 1 Makoronike 16:24
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 24 Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,

      Nemabasa ake anoshamisa pakati pevanhu vese.

  • Zvirevo 16:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  4 Jehovha akaita kuti zvinhu zvese zviende nepaanoda kuti chinangwa chake chizadziswe,

      Kunyangewo kuti vakaipa vaparadzwe pazuva redambudziko.+

  • Isaya 63:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Iye akaita kuti ruoko rwake runokudzwa ruende neruoko rwerudyi rwaMozisi,+

      Iye akakamura mvura pamberi pavo+

      Kuti zita rake rive nemukurumbira nekusingaperi,+

  • VaRoma 9:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Nekuti rugwaro runoti kuna Farao: “Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe