-
Dheuteronomi 19:11-13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 “Asi kana munhu aivenga mumwe wake,+ ndokumuhwandira, omurova ofa, munhu wacho otizira kune rimwe remaguta aya, 12 vakuru veguta rake vanofanira kubva vaita kuti aunzwe kwavari, vomuisa mumaoko emutsivi weropa, uye anofanira kufa.+ 13 Haufaniri* kumunzwira tsitsi, uye unofanira kubvisa mhosva yeropa risina mhaka pakati paIsraeri,+ kuti zvikufambire zvakanaka.
-