RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 17:9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 Mozisi akabva ati kuna Joshua:+ “Tisarudzire varume, moenda kunorwisa vaAmareki. Mangwana ini ndichanomira pamusoro pechikomo, ndiine tsvimbo yaMwari wechokwadi muruoko rwangu.”

  • Eksodho 24:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Saka Mozisi akasimuka aine mubatsiri wake Joshua,+ uye Mozisi akakwira mugomo raMwari wechokwadi.+

  • Eksodho 33:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Jehovha aitaura naMozisi vakatarisana chiso nechiso,+ sezvinoita munhu achitaura nemumwe munhu. Paaidzokera kumusasa, Joshua+ mwanakomana waNuni, mushumiri uye mubatsiri wake,+ aisabva patende racho.

  • Numeri 27:18-20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 18 Saka Jehovha akati kuna Mozisi: “Tora Joshua mwanakomana waNuni, murume ane pfungwa dzakanaka, uise maoko ako pamusoro pake.+ 19 Womumisa pamberi pemupristi Eriyezari nepamberi peungano yese, umugadze vese vachizviona.+ 20 Unofanira kumupa mamwe emasimba ako,*+ kuti ungano yese yevaIsraeri imuteerere.+

  • Dheuteronomi 31:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Jehovha Mwari wenyu ndiye ari kuyambuka ari pamberi penyu, uye iye pachake achaparadza marudzi aya pamberi penyu, uye muchaadzinga.+ Joshua ndiye achakutungamirirai pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe