Eksodho 6:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 “Saka udza vaIsraeri kuti: ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubvisai pamabasa anorema evaIjipiti ndokununurai pauranda,+ uye ndichakusunungurai neruoko rwakatambanudzwa* uye nekuvapa mitongo mikuru.+ Eksodho 13:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Mozisi akabva ati kuvanhu: “Yeukai zuva iri ramakabuda muIjipiti,+ muimba yeuranda, nekuti Jehovha akakubudisai muno neruoko rune simba.+ Saka hapana chinhu chine mbiriso chinofanira kudyiwa. Eksodho 13:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 “Kana mwanakomana wako akazokubvunza kuti, ‘Izvi zvinorevei?’ unofanira kuti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa muIjipiti, muimba yeuranda, neruoko rune simba.+
6 “Saka udza vaIsraeri kuti: ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubvisai pamabasa anorema evaIjipiti ndokununurai pauranda,+ uye ndichakusunungurai neruoko rwakatambanudzwa* uye nekuvapa mitongo mikuru.+
3 Mozisi akabva ati kuvanhu: “Yeukai zuva iri ramakabuda muIjipiti,+ muimba yeuranda, nekuti Jehovha akakubudisai muno neruoko rune simba.+ Saka hapana chinhu chine mbiriso chinofanira kudyiwa.
14 “Kana mwanakomana wako akazokubvunza kuti, ‘Izvi zvinorevei?’ unofanira kuti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa muIjipiti, muimba yeuranda, neruoko rune simba.+