RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 15:18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 18 Zuva iroro Jehovha akaita sungano naAbramu,+ achiti: “Ndichapa vana* vako nyika ino,+ kubvira kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, rwaYufratesi:+

  • Eksodho 23:31
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 31 “Ndichaisa muganhu wako kubvira kuGungwa Dzvuku kusvikira kugungwa revaFiristiya uye kubvira kurenje kusvikira kuRwizi;*+ nekuti ndichaisa vagari vemunyika yacho muruoko rwako, uye uchavadzinga pamberi pako.+

  • Numeri 34:2, 3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 “Udza vaIsraeri kuti: ‘Pamuchapinda munyika yeKenani,+ iyi ndiyo nyika yamuchawana kuti ive nhaka yenyu, nyika yeKenani maererano nemiganhu yayo.+

      3 “‘Muganhu wenyu wekumaodzanyemba uchatangira kurenje reZini uchitevedza Edhomu, uye muganhu wenyu wekumaodzanyemba nechekumabvazuva uchatangira kunogumira Gungwa reMunyu.*+

  • Dheuteronomi 1:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Dzokai muende kumakomo ekunyika yevaAmori+ nekunzvimbo dzese dziri pedyo navo kuArabha,+ kumakomo, kuShefera, kuNegebhu, nekumhenderekedzo yegungwa,+ nyika yevaKenani, neRebhanoni,*+ kusvikira kurwizi rukuru, rwaYufratesi.+

  • Joshua 15:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 15 Nyika yakapiwa+ dzinza raJudha* kuti ive yemhuri dzavo yaisvika kumuganhu weEdhomu,+ renje reZini, uye kunoperera Negebhu, kumaodzanyemba kwayo.

  • Joshua 15:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Waipfuurira kuenda kuAzmoni,+ woenda kuRwizi* rweIjipiti,+ uye muganhu wacho waiperera kuGungwa.* Uyu ndiwo waiva muganhu wavo wekumaodzanyemba.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe