-
Dheuteronomi 23:3, 4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 “Hapana muAmoni kana muMoabhi anobvumirwa kupinda muungano yaJehovha.+ Kunyange kusvikira kuchizvarwa chechigumi, hapana mwana wavo anotombobvumirwa kupinda muungano yaJehovha, 4 nekuti havana kukubatsirai nezvekudya nemvura pamaibva kuIjipiti,+ uye nekuti vakanobhadhara Bharami mwanakomana waBheori wekuPetori yeMesopotamiya kuti akutukei.+
-