-
1 Samueri 11:9-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Vakabva vati kunhume dzakanga dzauya: “Muti kuvarume vekuJabheshi iri muGiriyedhi, ‘Mangwana kana zuva rava kupisa, muchaponeswa.’” Nhume dzacho dzakabva dzaenda kunoudza varume vekuJabheshi, uye varume vacho vakafara chaizvo. 10 Saka varume vekuJabheshi vakati: “Mangwana tichazviisa mumaoko enyu uye munogona henyu kutiitira chero zvamunofunga kuti ndizvo zvakanaka.”+
11 Zuva rakatevera, Sauro akaisa vanhu mumapoka matatu, uye vakapinda pakati pemusasa munguva yekurinda kwemangwanani,* vakauraya vaAmoni+ kusvikira zuva rava kupisa. Vaya vakapona vakapararira vachiita rumwe rumwe zvekuti hapana vakasara vari vaviri.
-