Genesisi 23:2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 Saka Sara akafira muKiriyati-abha,+ kureva Hebroni,+ munyika yeKenani+ uye Abrahamu akatanga kuchema Sara achisvimha misodzi. Numeri 13:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Pavakakwidza kuNegebhu, vakasvika kuHebroni,+ kwaigara Ahimani, Sheshai, naTarimai,+ vakaberekwa naAnaki.+ Hebroni yakanga yavakwa makore manomwe Zoani yeIjipiti isati yavakwa. Joshua 14:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Ndokusaka Hebroni iri nhaka yaKarebhi mwanakomana waJefune muKenizi kusvikira nhasi, nekuti akatevera Jehovha Mwari waIsraeri nemwoyo wese.+ Joshua 20:7 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 7 Saka vakasarudza* Kedheshi+ iri muGarireya munyika ine makomo yaNaftari, Shekemu+ iri munyika ine makomo yaEfremu, neKiriyati-abha,+ kureva Hebroni, iri munyika ine makomo yaJudha. 2 Samueri 5:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Nekufamba kwenguva, madzinza ese aIsraeri akauya kwaiva naDhavhidhi kuHebroni,+ akati kwaari: “Inzwai! Tiri pfupa renyu nenyama yenyu.*+ 1 Madzimambo 2:11 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Dhavhidhi akatonga Israeri kwemakore 40. MuHebroni+ akatonga kwemakore 7, uye muJerusarema akatonga kwemakore 33.+
2 Saka Sara akafira muKiriyati-abha,+ kureva Hebroni,+ munyika yeKenani+ uye Abrahamu akatanga kuchema Sara achisvimha misodzi.
22 Pavakakwidza kuNegebhu, vakasvika kuHebroni,+ kwaigara Ahimani, Sheshai, naTarimai,+ vakaberekwa naAnaki.+ Hebroni yakanga yavakwa makore manomwe Zoani yeIjipiti isati yavakwa.
14 Ndokusaka Hebroni iri nhaka yaKarebhi mwanakomana waJefune muKenizi kusvikira nhasi, nekuti akatevera Jehovha Mwari waIsraeri nemwoyo wese.+
7 Saka vakasarudza* Kedheshi+ iri muGarireya munyika ine makomo yaNaftari, Shekemu+ iri munyika ine makomo yaEfremu, neKiriyati-abha,+ kureva Hebroni, iri munyika ine makomo yaJudha.
5 Nekufamba kwenguva, madzinza ese aIsraeri akauya kwaiva naDhavhidhi kuHebroni,+ akati kwaari: “Inzwai! Tiri pfupa renyu nenyama yenyu.*+
11 Dhavhidhi akatonga Israeri kwemakore 40. MuHebroni+ akatonga kwemakore 7, uye muJerusarema akatonga kwemakore 33.+