-
1 Madzimambo 16:30, 31Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 Ahabhi mwanakomana waOmri akanga akaipa chaizvo pamberi paJehovha kupfuura vese vakamutangira.+ 31 Sezvinonzi kufamba kwaakaita muzvivi zvaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati chaiva chinhu chidiki, akatorawo Jezebheri+ mwanasikana waEtibhaari mambo wevaSidhoni+ kuti ave mudzimai wake, akatanga kushumira Bhaari+ uye kukotama pamberi pake.
-
-
2 Madzimambo 13:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Mugore rechi23 raJehoashi+ mwanakomana waAhaziya+ mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu+ akava mambo weIsraeri muSamariya uye akatonga kwemakore 17. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, uye akaramba achiita chivi chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Haana kuchirega.
-