RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Makoronike 36:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Zedhekiya+ aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema.+

  • 2 Makoronike 36:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Akapandukirawo Mambo Nebhukadhinezari,+ uyo akanga aita kuti apike naMwari, uye akaramba achiomesa musoro,* achiomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsraeri.

  • Jeremiya 27:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Ndakataurawo saizvozvo kuna Mambo Zedhekiya+ weJudha, ndichiti: “Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi mumushandire iye nevanhu vake, uye mucharamba muchirarama.+

  • Jeremiya 38:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya: “Zvanzi naJehovha, Mwari wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Kana mukazviisa mumaoko emachinda amambo weBhabhironi, muchapona* uye guta rino harizopiswi nemoto, uye imi neimba yenyu hamuzofi.+

  • Ezekieri 17:12-15
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 “Ndapota, udza imba inopanduka kuti, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Iti, ‘Inzwai! Mambo weBhabhironi akauya kuJerusarema, akatora mambo waro nemachinda aro, akaenda navo kuBhabhironi.+ 13 Akatorawo mwana* wemuimba yeumambo,+ akaita sungano naye, akaita kuti apike.+ Akabva aenda nevarume vakakurumbira vemunyika yacho,+ 14 kuti umambo hushaye simba, husazosimuka, uye kuti hungoramba huripo chete kana vachengeta sungano yake.+ 15 Asi mambo akazomupandukira+ nekutuma kwaakaita nhume dzake kuIjipiti, kuti apiwe mabhiza+ neuto guru.+ Achabudirira here? Munhu ari kuita zvinhu izvi haazorangwi here? Angapukunyuka here iye aputsa sungano?’+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe