Zvirevo 14:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 Munhu akachenjera anongwarira obva pane zvakaipa,Asi benzi harifungi* uye rinozvivimba. Zvirevo 28:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Anofara munhu anogara akangwarira,*Asi wese anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.+ Isaya 30:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 30 “Vane nhamo vanakomana vakaoma musoro,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Vanoita zvavo vega, zvandisina kuvaudza,+Vanobatana nevamwe vanhu,* asi zvisingaitwi nemweya wangu,Kuti vawedzere chivi pamusoro pechimwe chivi. Dhanieri 5:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 Kana murimi mambo, Mwari Wekumusorosoro akapa baba venyu Nebhukadhinezari umambo nemasimba nekukudzwa neukuru.+ Dhanieri 5:20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 20 Asi paakatanga kuzvikwidziridza achiomesa musoro, zvikaita kuti azvikudze,+ akabva abviswa pachigaro chake cheumambo, uye akatorerwa rukudzo rwake. Zekariya 7:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Vakaita kuti mwoyo yavo iite sedhaimondi*+ uye vaisateerera mutemo* nemashoko akapiwa vaprofita vekare naJehovha wemauto achishandisa mweya wake.+ Saka Jehovha wemauto akatsamwa kwazvo.”+ VaRoma 2:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Asi nekuomesa kwauri kuita musoro uchirega kupfidza zvivi mumwoyo mako, uri kuzviunganidzira hasha pazuva rehasha dzaMwari raacharatidza kutonga kwake kwakarurama.+
30 “Vane nhamo vanakomana vakaoma musoro,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Vanoita zvavo vega, zvandisina kuvaudza,+Vanobatana nevamwe vanhu,* asi zvisingaitwi nemweya wangu,Kuti vawedzere chivi pamusoro pechimwe chivi.
18 Kana murimi mambo, Mwari Wekumusorosoro akapa baba venyu Nebhukadhinezari umambo nemasimba nekukudzwa neukuru.+
20 Asi paakatanga kuzvikwidziridza achiomesa musoro, zvikaita kuti azvikudze,+ akabva abviswa pachigaro chake cheumambo, uye akatorerwa rukudzo rwake.
12 Vakaita kuti mwoyo yavo iite sedhaimondi*+ uye vaisateerera mutemo* nemashoko akapiwa vaprofita vekare naJehovha wemauto achishandisa mweya wake.+ Saka Jehovha wemauto akatsamwa kwazvo.”+
5 Asi nekuomesa kwauri kuita musoro uchirega kupfidza zvivi mumwoyo mako, uri kuzviunganidzira hasha pazuva rehasha dzaMwari raacharatidza kutonga kwake kwakarurama.+