RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 28:9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 “Zvino iwe mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, umushumire nemwoyo wakaperera*+ uye nemweya* unofara,* nekuti Jehovha anoongorora mwoyo yese,+ uye anonzwisisa kese kangafungwa nemunhu.+ Kana ukamutsvaga, achaita kuti umuwane,+ asi kana ukamusiya achakuramba nekusingaperi.+

  • 2 Makoronike 15:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Saka akaenda kunosangana naAsa akati kwaari: “Asa nemi vaJudha vese nevaBhenjamini, ndinzwei! Jehovha anemi kana imi mukangoramba muinaye;+ uye kana mukamutsvaga, achaita kuti mumuwane,+ asi kana mukamusiya, achakusiyaiwo.+

  • 2 Makoronike 19:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 Mambo Jehoshafati weJudha akabva adzokera kumba kwake*+ kuJerusarema asina kukuvadzwa.*

  • 2 Makoronike 19:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvakanaka zvawanikwa pamuri,+ nekuti makabvisa mapango anoyera* munyika uye makagadzirira mwoyo wenyu* kuti mutsvage Mwari wechokwadi.”+

  • Isaya 55:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  6 Tsvagai Jehovha achiri kuwanika.+

      Danai kwaari achiri pedyo.+

  • 1 Petro 3:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Nekuti maziso aJehovha* ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dzinoteerera kuteterera kwavo,+ asi chiso chaJehovha* chinovenga vaya vanoita zvakaipa.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe