-
Isaya 63:11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 Uye vakayeuka mazuva ekare,
Mazuva aMozisi mushumiri wake, vachiti:
“Ari kupi iye akavabudisa mugungwa+ nevafudzi vemakwai ake?+
Ari kupi iye akaisa mweya wake mutsvene maari,+
-
Mabasa 7:35, 36Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
35 Mozisi uya wavakaramba, vachiti: ‘Ndiani akakugadza kuti uve mutungamiriri uye mutongi wedu?’+ ndiye wacho akatumwa naMwari+ semutungamiriri uye mununuri achishandisa ngirozi yakazviratidza kwaari iri mugwenzi reminzwa. 36 Murume uyu akavatungamirira vachibuda,+ achiita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti+ nepaGungwa Dzvuku+ nemurenje kwemakore 40.+
-
-
-