-
Nehemiya 9:24, 25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 Saka vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika yacho,+ uye makakunda vaKenani pamberi pavo,+ avo vaigara munyika yacho mukavaisa mumaoko avo, iwo madzimambo avo nemarudzi emunyika yacho, kuti vaite zvavanoda navo. 25 Vakatora maguta akakomberedzwa nemasvingo,+ nyika yakaorera,+ dzimba dzakazara nezvinhu zvakanaka zvakasiyana-siyana, migodhi yemvura yakatocherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi,+ nemiti yakawanda yemichero. Saka vakadya, vakaguta, vakakora, uye vaifara chaizvo nekuda kwekunaka kwenyu kukuru.
-