-
1 Timoti 5:9, 10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Chirikadzi inofanira kunyorwa pasi kuti ibatsirwe kana isiri pasi pemakore 60, iri mudzimai aiva nemurume mumwe chete, 10 ichizivikanwa nemabasa akanaka,+ kana yakarera vana,+ kana yaigamuchira vaenzi zvakanaka,+ kana yaigeza tsoka dzevatsvene,+ kana yaibatsira vanotambura,+ kana yaizvipira kuita mabasa ese akanaka.
-
-
Tito 2:3-5Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Vakadzi vakuruwo ngavazvibate zvakakodzera vanhu vatsvene, vasingatauri zvinosvibisa mazita evamwe, vasingaitwi varanda newaini, vadzidzisi vezvakanaka, 4 kuti vakwanise kurayira* vakadzi vadiki kuti vade varume vavo, vade vana vavo, 5 vave nepfungwa dzakanaka, vane tsika dzakachena, vanoita mabasa epamba, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo,+ kuti shoko raMwari rirege kushorwa.
-