-
1 Madzimambo 1:16-21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
16 Bhati-shebha akabva apfugama pamberi pamambo akadzikisa musoro wake, mambo achibva ati: “Unoda kukumbirei?” 17 Iye akati: “Ishe wangu, ndimi makapika naJehovha Mwari wenyu kumuranda wenyu muchiti, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo.’+ 18 Asi onai, Adhonija ndiye ava mambo, uye ishe wangu mambo haana chaari kuziva.+ 19 Abayira mikono yemombe, mhuka dzakakodzwa, nemakwai zvakawanda chaizvo, akakoka vanakomana vese vamambo nemupristi Abhiyatari naJoabhi mukuru weuto;+ asi haana kukoka muranda wenyu Soromoni.+ 20 Ishe wangu mambo, maziso evaIsraeri vese ari pamuri, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro cheumambo chashe wangu mambo pashure penyu. 21 Kana mukasadaro, ishe wangu mambo paanongoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, ini nemwanakomana wangu Soromoni tichanzi tiri vapanduki.”
-