Dheuteronomi 32:35 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 35 Kutsiva ndekwangu, nekudzorera,+Panguva yacho chaiyo pachatsvedza tsoka dzavo,+Nekuti zuva redambudziko ravo rava pedyo,Uye matambudziko achavawira achakurumidza kuuya.’ Zvirevo 24:29 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 Usati: “Ndichamuita zvaakandiita;Ndichamutsiva maererano nezvaakaita.”*+ Mateu 5:38, 39 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 38 “Makanzwa kuti zvakanzi: ‘Ziso rinotsiviwa neziso uye zino nezino.’+ 39 Asi ini ndinoti kwamuri: Musadzorera munhu akaipa, asi munhu wese anokurova mbama padama rako rekurudyi, mupewo rimwe racho.+ VaRoma 12:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Musadzorera chakaipa nechakaipa.+ Fungai zvakanakira vanhu vese. VaRoma 12:19 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 19 Musatsiva, vadiwa, asi zvisiyirei kuna Mwari kuti aratidze hasha;+ nekuti zvakanyorwa kuti: “‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza,’ anodaro Jehovha.”*+ 1 VaTesaronika 5:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Ivai nechokwadi chekuti hapana anotsiva chakaipa nechakaipa,+ asi garai muchiitirana zvakanaka uye muchizviitirawo vamwe vese.+
35 Kutsiva ndekwangu, nekudzorera,+Panguva yacho chaiyo pachatsvedza tsoka dzavo,+Nekuti zuva redambudziko ravo rava pedyo,Uye matambudziko achavawira achakurumidza kuuya.’
38 “Makanzwa kuti zvakanzi: ‘Ziso rinotsiviwa neziso uye zino nezino.’+ 39 Asi ini ndinoti kwamuri: Musadzorera munhu akaipa, asi munhu wese anokurova mbama padama rako rekurudyi, mupewo rimwe racho.+
19 Musatsiva, vadiwa, asi zvisiyirei kuna Mwari kuti aratidze hasha;+ nekuti zvakanyorwa kuti: “‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza,’ anodaro Jehovha.”*+
15 Ivai nechokwadi chekuti hapana anotsiva chakaipa nechakaipa,+ asi garai muchiitirana zvakanaka uye muchizviitirawo vamwe vese.+