-
Mateu 21:23-25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Paakapinda mutemberi, vatungamiriri vevapristi nevakuru vevanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa vakati: “Une mvumo here yekuita zvinhu izvi? Uye ndiani akakupa mvumo yacho?”+ 24 Jesu akavapindura achiti: “Ndichakubvunzaiwo chimwe chinhu. Kana mukandiudza, ndichabva ndakuudzaiwo kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi: 25 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwakabvepi? Kudenga here kana kuti kuvanhu?” Asi vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati kwatiri, ‘Saka nei musina kumutenda?’+
-