Mateu 21:32 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 32 Nekuti Johani akauya kwamuri ari munzira yekururama, asi hamuna kutenda maari. Asi vateresi nepfambi vakatenda maari,+ uye kunyange pamakazviona, hamuna kuzozvitongesa kuti mutende maari. Mako 11:30, 31 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 30 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani+ rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu? Ndipindurei.”+ 31 Saka vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’ Ruka 7:29, 30 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 (Vanhu vese nevateresi pavakanzwa izvi, vakabvuma kuti Mwari akarurama, nekuti vakanga vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohani.+ 30 Asi vaFarisi nevaya vainyatsoziva Mutemo vakaramba zano raMwari,+ sezvo vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani.)
32 Nekuti Johani akauya kwamuri ari munzira yekururama, asi hamuna kutenda maari. Asi vateresi nepfambi vakatenda maari,+ uye kunyange pamakazviona, hamuna kuzozvitongesa kuti mutende maari.
30 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani+ rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu? Ndipindurei.”+ 31 Saka vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’
29 (Vanhu vese nevateresi pavakanzwa izvi, vakabvuma kuti Mwari akarurama, nekuti vakanga vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohani.+ 30 Asi vaFarisi nevaya vainyatsoziva Mutemo vakaramba zano raMwari,+ sezvo vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani.)