-
1 Madzimambo 18:24, 25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 Munofanira kubva mashevedza zita ramwari wenyu,+ uye ini ndichashevedza zita raJehovha. Mwari achapindura nemoto acharatidza kuti ndiye Mwari wechokwadi.”+ Vanhu vese vakabva vapindura vachiti: “Zvawataura zvakanaka.”
25 Eriya akabva ati kuvaprofita vaBhaari: “Sarudzai mukono mudiki mumwe chete wemombe, mutange imi kuugadzira, nekuti ndimi makawanda. Mubve mashevedza zita ramwari wenyu, asi hamufaniri kuisa moto pauri.”
-