-
Revhitiko 9:23, 24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Mozisi naAroni vakazopinda mutende rekusanganira, vakabuda ndokukomborera vanhu.+
Kubwinya kwaJehovha kwakabva kwaonekwa nevanhu vese,+ 24 uye moto wakabva kuna Jehovha,+ ukapisa chibayiro chinopiswa, nemafuta aiva pamusoro peatari. Vanhu vese pavakazviona, vakatanga kushevedzera, vakapfugama, vakaisa misoro yavo pasi.+
-