-
Isaya 14:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 Nekuti Jehovha achanzwira Jakobho+ tsitsi uye achasarudzazve Israeri.+ Achavagarisa* munyika yavo,+ uye vatorwa vachaenda kwavari, vobatana neimba yaJakobho.+ 2 Marudzi achavatora ovaunza kunzvimbo yavo, uye achava mumaoko eimba yaIsraeri kuti ave varandarume nevarandakadzi+ munyika yaJehovha; vanhu vaimbovaita varanda vachava varanda vavo, uye vachava nesimba pane vaya vaivamanikidza kushanda.
-