Genesisi 1:28 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 28 Uyezve, Mwari akavakomborera, akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika,+ ive pasi penyu,* muve nesimba+ pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba panyika.” Genesisi 9:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 Mwari akabva akomborera Noa nevanakomana vake achiti kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika.+ Pisarema 37:29 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 Vakarurama vachagara nhaka yenyika,+Uye vachagara mairi nekusingaperi.+ Pisarema 115:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 Kana ari matenga, ndeaJehovha,+Asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.+
28 Uyezve, Mwari akavakomborera, akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika,+ ive pasi penyu,* muve nesimba+ pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba panyika.”