32 Ndima yemuMagwaro yaaiverenga inoti: “Akaunzwa segwai kuzourayiwa, uye segwayana rakanyarara pamberi pemuveuri waro, saka haashami muromo wake.+ 33 Paainyadziswa, kutongwa zvakarurama kwakabviswa kwaari.+ Ndiani achataura mashoko nezvedzinza rake? Nekuti upenyu hwake hwabviswa panyika.”+