-
Joshua 10:8-14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Usavatya,+ nekuti ndavaisa mumaoko ako.+ Hapana kana mumwe chete wavo achamirisana newe.”+ 9 Joshua akavarwisa vakavarairwa pashure pekunge afamba usiku hwese kubva kuGirigari. 10 Jehovha akavavhiringidza pamberi pevaIsraeri,+ uye vaIsraeri vakauraya vanhu vakawanda kwazvo kuGibhiyoni, vakavatevera nenzira yekumukwidza weBheti-horoni, vachivauraya kusvikira kuAzeka nekuMakedha. 11 Pavakanga vachitiza vaIsraeri uye vava pamateru eBheti-horoni, Jehovha akanayisa pavari chimvuramabwe chikuru chichibva kudenga, chikanaya kusvikira kuAzeka, chikavauraya. Vaya vakafa nechimvuramabwe vakanga vakatowanda kupfuura vakaurayiwa nebakatwa nevaIsraeri.
12 Pazuva iroro rakakundwa vaAmori naJehovha pamberi pevaIsraeri, Joshua ndipo paakataura naJehovha ari pamberi pevaIsraeri achiti:
13 Saka zuva rakaramba rakamira, uye mwedzi hauna kufamba kusvikira rudzi rwacho rwatsiva vavengi varwo. Hazvina kunyorwa mubhuku raJashari+ here? Zuva rakaramba rakamira pakati pedenga, rikanonoka kunyura kwenguva ingaita zuva rese. 14 Zuva iri risati rasvika hakuna kumbova nerimwe rakafanana naro uye hapana kuzombova nerimwe rakadaro rakateererwa inzwi remunhu naJehovha,+ nekuti Jehovha akanga achirwira vaIsraeri.+
-
-
1 Makoronike 14:10-16Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Dhavhidhi akabvunza Mwari, achiti: “Ndiende kunorwa nevaFiristiya here? Muchavaisa muruoko rwangu here?” Jehovha akabva ati kwaari: “Enda, nekuti chokwadi ndichavaisa muruoko rwako.”+ 11 Saka Dhavhidhi akaenda kuBhaari-perazimu,+ uye akavauraya ikoko. Dhavhidhi akabva ati: “Mwari wechokwadi apaza vavengi vangu achishandisa ruoko rwangu, sekupazwa kunoitwa madziro nemvura.” Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bhaari-perazimu.* 12 VaFiristiya vakasiya vanamwari vavo ipapo, uye pashure pekunge Dhavhidhi apa murayiro, vanamwari vacho vakapiswa mumoto.+
13 Gare gare vaFiristiya vakarwisazve mubani.+ 14 Dhavhidhi akabva abvunzazve Mwari, asi Mwari wechokwadi akati kwaari: “Usaenda wakavananga. Asi pota nekuseri kwavo, uvarwise uri mberi kwemakwenzi emibheka.+ 15 Uye paunonzwa ruzha pamusoro pemakwenzi emibheka runenge rwevanhu vari kufora, ibva warwisa, nekuti Mwari wechokwadi achange aenda mberi kwako kunoparadza uto revaFiristiya.”+ 16 Saka Dhavhidhi akaita zvaakarayirwa naMwari wechokwadi,+ uye vakaparadza uto revaFiristiya kubva kuGibhiyoni kusvika kuGezeri.+
-