2 Madzimambo 15:29 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 Mumazuva aMambo Peka weIsraeri, Mambo Tigrati-pireseri+ weAsiriya akapinda nechisimba akatora Ijoni, Abheri-bheti-maaka,+ Janoa, Kedheshi,+ Hazori, Giriyedhi,+ neGarireya, nyika yese yaNaftari,+ akatapa vagari vemo akaenda navo kuAsiriya.+ 2 Madzimambo 16:8, 9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Saka Ahazi akatora sirivha negoridhe zvaiva muimba yaJehovha nemaichengeterwa pfuma yeimba yamambo* akatumira mambo weAsiriya chipo.+ 9 Mambo weAsiriya akanzwa chikumbiro chake uye akaenda kuDhamasiko akaitora, akatapa vanhu vayo akavaendesa kuKiri,+ uye akauraya Rezini.+ 1 Makoronike 5:26 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 26 Saka Mwari waIsraeri akaita kuti Mambo Puri weAsiriya+ (kureva, Mambo Tirigati-pirineseri+ weAsiriya) atape vaRubheni nevaGadhi nehafu yedzinza raManase, akavaendesa kuHeira, kuHabhori, kuHara, nekurwizi rwaGozani,+ uye vachiri ikoko nanhasi.
29 Mumazuva aMambo Peka weIsraeri, Mambo Tigrati-pireseri+ weAsiriya akapinda nechisimba akatora Ijoni, Abheri-bheti-maaka,+ Janoa, Kedheshi,+ Hazori, Giriyedhi,+ neGarireya, nyika yese yaNaftari,+ akatapa vagari vemo akaenda navo kuAsiriya.+
8 Saka Ahazi akatora sirivha negoridhe zvaiva muimba yaJehovha nemaichengeterwa pfuma yeimba yamambo* akatumira mambo weAsiriya chipo.+ 9 Mambo weAsiriya akanzwa chikumbiro chake uye akaenda kuDhamasiko akaitora, akatapa vanhu vayo akavaendesa kuKiri,+ uye akauraya Rezini.+
26 Saka Mwari waIsraeri akaita kuti Mambo Puri weAsiriya+ (kureva, Mambo Tirigati-pirineseri+ weAsiriya) atape vaRubheni nevaGadhi nehafu yedzinza raManase, akavaendesa kuHeira, kuHabhori, kuHara, nekurwizi rwaGozani,+ uye vachiri ikoko nanhasi.