-
Ezra 4:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Vavengi vevaJudha nevaBhenjamini+ pavakanzwa kuti vaya vakanga vadzoka kubva kuutapwa+ vari kuvakira Jehovha Mwari waIsraeri temberi, 2 vakabva vakurumidza kuenda kuna Zerubhabheri nekuvakuru vedzimba dzemadzibaba vakati kwavari: “Ngativakei tese; nekuti nesuwo tinonamata* Mwari+ wenyu semi, uye tiri kubayira zvibayiro kwaari kubvira pamazuva aMambo Esari-hadhoni+ weAsiriya, uyo akatiunza kuno.”+
-