-
Hosiya 11:8, 9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Ndingakusiya here nhai Efremu?+
Ndingakuisa mumaoko evamwe here nhai Israeri?
Ndingakubata seAdma here?
Ndingakuita seZebhoimu here?+
Ndachinja pfungwa
Uye mwoyo wangu uri kurwadza.+
9 Handizoratidzi kutsamwa kwangu kukuru.
Handizoparadzizve Efremu,+
Nekuti handisi munhu asi ndiri Mwari,
Iye Mutsvene ari pakati pako;
Uye handizouyi kwauri ndakashatirwa.
-