12 “Asi kunyange iye zvino,” anodaro Jehovha, “dzokai kwandiri nemwoyo yenyu yese,+
Muchitsanya,+ muchichema, uye muchiridza mhere.
13 Bvarurai mwoyo yenyu,+ kwete nguo dzenyu,+
Modzoka kuna Jehovha Mwari wenyu,
Nekuti iye ane tsitsi nengoni, anononoka kutsamwa,+ uye azere nerudo rusingachinji,+
Uye achafunga kusaunza dambudziko racho.