-
Jeremiya 51:34Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
Andigadzika pasi semudziyo usina chinhu.
Andimedza sezvinoita nyoka huru;+
Azadza dumbu rake nezvinhu zvangu zvinonaka.
Andisukurudza.
-
-
Dhanieri 1:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
1 Mugore rechitatu rekutonga kwaMambo Jehoyakimu+ weJudha, Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akasvika kuJerusarema akarikomba.+ 2 Nekufamba kwenguva, Jehovha akaisa Mambo Jehoyakimu weJudha muruoko rwaNebhukadhinezari+ pamwe chete nemimwe midziyo yemuimba* yaMwari wechokwadi, achibva aenda nayo kunyika yeShinari,*+ kuimba yamwari wake. Akaisa midziyo yacho munochengeterwa pfuma yamwari wake.+
-