-
2 Madzimambo 24:17-20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Mambo weBhabhironi akagadza Mataniya, babamudiki vaJehoyakini+ kuti vave mambo panzvimbo yake, akachinja zita ravo kuti rinzi Zedhekiya.+
18 Zedhekiya aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 19 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa naJehoyakimu.+ 20 Zvinhu izvi zvakaitika muJerusarema nemuJudha nekuti Jehovha akanga atsamwa, akasvika pakuvabvisa pamberi pake.+ Uye Zedhekiya akapandukira mambo weBhabhironi.+
-