-
Zvakazarurwa 19:17, 18Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Ndakaonawo ngirozi imire muzuva, uye yakashevedzera nenzwi guru ikati kushiri dzese dzinobhururuka nepakati pedenga:* “Uyai kuno, unganai pakudya kukuru kwemanheru kwaMwari,+ 18 kuti mudye nyama yemadzimambo nenyama yevatungamiriri vehondo nenyama yevarume vane simba+ nenyama yemabhiza neyevaya vanoatasva,+ nenyama yevanhu vese, vakasununguka nevaranda, uye vadiki nevakuru.”
-