RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 38:4-6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Ndichakutendeudza ndoisa zvirauro mushaya dzako,+ ndokubudisa iwe neuto rako rese,+ mabhiza nevatasvi vemabhiza avo vakapfeka zvakanaka kwazvo, vanhu vazhinji vane nhoo huru nenhoo diki,* nemapakatwa; 5 pamwe chete nevaPezhiya, nevanhu veItiopiya nePuti,+ avo vane nhoo diki nengowani; 6 uye Gomeri nemauto ayo ese, neimba yaTogama+ iyo iri kumativi ari kure kwazvo ekuchamhembe, nemauto ayo ese. Ndichakubudisa iwe nemarudzi aya mazhinji auinawo.+

  • Hagai 2:22
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 22 Ndichaparadza zvigaro zveumambo, ndotsakatisa simba reumambo hwemarudzi;+ uye ndichaparadza ngoro nevanoitasva, uye mabhiza nevatasvi vawo vachafa, mumwe nemumwe achiurayiwa nebakatwa rehama yake.’”+

  • Zvakazarurwa 19:17, 18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Ndakaonawo ngirozi imire muzuva, uye yakashevedzera nenzwi guru ikati kushiri dzese dzinobhururuka nepakati pedenga:* “Uyai kuno, unganai pakudya kukuru kwemanheru kwaMwari,+ 18 kuti mudye nyama yemadzimambo nenyama yevatungamiriri vehondo nenyama yevarume vane simba+ nenyama yemabhiza neyevaya vanoatasva,+ nenyama yevanhu vese, vakasununguka nevaranda, uye vadiki nevakuru.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe