RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Revhitiko 18:21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 21 “‘Usabvumira kuti vana vako vapirwe* kuna Moreki.+ Usasvibisa zita raMwari wako saizvozvo.+ Ndini Jehovha.

  • Revhitiko 20:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 “Uti kuvaIsraeri, ‘Munhu wese pavaIsraeri, uye mutorwa wese anogara pakati paIsraeri anopa Moreki mumwe wevana vake, anotofanira kuurayiwa.+ Vanhu vemunyika yenyu vanofanira kumutema nematombo kusvikira afa.

  • 2 Madzimambo 16:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Mugore rechi17 raPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi+ mwanakomana waMambo Jotamu weJudha akava mambo.

  • 2 Madzimambo 16:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Asi akafamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ uye akatopfuudzawo mwanakomana wake nemumoto,+ achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.

  • 2 Makoronike 33:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 33 Manase+ aiva nemakore 12 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 55 muJerusarema.+

  • 2 Makoronike 33:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Akaitawo kuti vanakomana vake vapfuure nemumoto+ muBani reMwanakomana waHinomu;+ aiita zvemashiripiti,+ zvekushopera, nezveuroyi, uye akagadza masvikiro nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji chaizvo pamberi paJehovha, achimugumbura.

  • Jeremiya 7:31
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 31 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, iri muBani reMwanakomana waHinomu,*+ kuti vapise vanakomana vavo nevanasikana vavo mumoto,+ zvinhu zvandakanga ndisina kuvarayira uye zvisina kutombobvira zvauya mumwoyo mangu.’*+

  • Ezekieri 20:26
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 26 Pavaiita kuti matangwe avo ese apfuure nemumoto, ndakavarega vachisvibiswa nezvibayiro zvavo kuti ndivaparadze,+ vobva vaziva kuti ndini Jehovha.”’

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe