RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Makoronike 30:8, 9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 Zvino regai kuomesa misoro sezvakaitwa nemadzitateguru enyu.+ Zviisei pasi paJehovha, muuye kunzvimbo yake tsvene+ yaakatsvenesa nekusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kukuru kubve pamuri.+ 9 Nekuti pamunodzokera kuna Jehovha, hama dzenyu nevanakomana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa,+ uye vachabvumirwa kudzoka munyika ino,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu ane tsitsi* nengoni,+ uye kana mukadzokera kwaari haazokupirai gotsi.”+

  • Jeremiya 18:7, 8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Pese pandichataura nezvekudzura, kuputsa, uye kuparadza rudzi kana umambo,+ 8 rudzi irworwo rwosiya zvakaipa zvarwo zvandakaruyambira, ndichachinjawo pfungwa* pamusoro pedambudziko randakanga ndasarudza kuunza paruri.+

  • Zefaniya 2:2, 3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  2 Zvinhu zvakasarudzwa zvisati zvaitika,

      Zuva racho risati rapfuura sehundi,

      Kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamuri,+

      Zuva rekutsamwa kwaJehovha risati rauya pamuri,

       3 Tsvagai Jehovha,+ imi vanyoro* vese vari panyika,

      Imi munochengeta mirau yake yakarurama.*

      Tsvagai kururama, tsvagai unyoro.*

      Zvimwe mungavanzwa pazuva rekutsamwa kwaJehovha.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe