RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 32:26, 27
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 26 Ndingadai ndakati: “Ndichavaparadzira;

      Ndichaita kuti vasayeukwa zvachose pakati pevanhu,”

      27 Dai kusiri kuti ndaitya zvinozoitwa nemuvengi,+

      Nekuti vavengi vangazozvitora nepasipo.+

      Vangazoti: “Simba redu ndiro rakunda;+

      Haasi Jehovha akaita zvese izvi.”

  • Pisarema 79:9, 10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  9 Tibatsirei, haiwa Mwari weruponeso rwedu,+

      Nekuda kwezita renyu rinokudzwa;

      Tinunurei uye kanganwirai* zvivi zvedu nekuda kwezita renyu.+

      10 Nei marudzi achifanira kuti: “Mwari wavo ari kupi?”+

      Itai kuti tizvione nemaziso edu marudzi achiratidzwa

      Kuti ropa revashumiri venyu rakadeurwa ratsiviwa.+

  • Mika 7:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Muvengi wangu achaonawo uye achanyara,

      Iye mukadzi uya wekuti kwandiri:

      “Jehovha Mwari wako ari kupi?”+

      Maziso angu achamutarisa.

      Iye zvino achatsikwa-tsikwa semadhaka emumigwagwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe