18 Imba yaJakobho ichava moto,
Imba yaJosefa ichava rimi remoto,
Uye imba yaIsau ichaita semashanga;
Vachavapisa vovaparadza,
Uye muimba yaIsau hamuzovi neanopona,+
Nekuti Jehovha pachake ataura.
19 Vachatora Negebhu nenyika ine makomo yaIsau,+
NeShefera, nenyika yevaFiristiya.+
Vachatora nyika yaEfremu nenyika yeSamariya,+
Uye Bhenjamini achatora Giriyedhi.