Isaya 53:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Isu tese tadzungaira semakwai,+Mumwe nemumwe atsaukira kunzira yake,Uye Jehovha aita kuti kukanganisa kwedu tese kuve paari.+ Mateu 10:5, 6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Jesu akatuma 12 ava, achivapa mirayiro iyi:+ “Musapinda mumugwagwa wemamwe marudzi, uye hapana guta revaSamariya ramunofanira kupinda;+ 6 asi rambai muchienda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.+ Mabasa 3:26 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 26 Mwari paakamutsa Mushumiri wake, akatanga kumutuma kwamuri+ kuti akukomborerei achiita kuti mumwe nemumwe wenyu abve pamabasa ake akaipa.” Mabasa 13:46 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 46 Pauro naBhanabhasi vakabva vataura navo neushingi vachiti: “Zvakanga zvakakodzera kuti shoko raMwari ritange kutaurwa kwamuri.+ Asi sezvo muri kuriramba uye mazviti hamuna kukodzera upenyu husingaperi, iye zvino tava kutendeukira kune mamwe marudzi.+ VaRoma 15:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Nekuti ndinokuudzai kuti Kristu akava mushumiri wevaya vakachecheudzwa+ achiratidza kuti Mwari ndewechokwadi, kuti asimbise vimbiso dzakaitwa naMwari kumadzitateguru avo,+
6 Isu tese tadzungaira semakwai,+Mumwe nemumwe atsaukira kunzira yake,Uye Jehovha aita kuti kukanganisa kwedu tese kuve paari.+
5 Jesu akatuma 12 ava, achivapa mirayiro iyi:+ “Musapinda mumugwagwa wemamwe marudzi, uye hapana guta revaSamariya ramunofanira kupinda;+ 6 asi rambai muchienda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.+
26 Mwari paakamutsa Mushumiri wake, akatanga kumutuma kwamuri+ kuti akukomborerei achiita kuti mumwe nemumwe wenyu abve pamabasa ake akaipa.”
46 Pauro naBhanabhasi vakabva vataura navo neushingi vachiti: “Zvakanga zvakakodzera kuti shoko raMwari ritange kutaurwa kwamuri.+ Asi sezvo muri kuriramba uye mazviti hamuna kukodzera upenyu husingaperi, iye zvino tava kutendeukira kune mamwe marudzi.+
8 Nekuti ndinokuudzai kuti Kristu akava mushumiri wevaya vakachecheudzwa+ achiratidza kuti Mwari ndewechokwadi, kuti asimbise vimbiso dzakaitwa naMwari kumadzitateguru avo,+